Leviticus 13:26 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi kana muprista akapacerekedza, akaʋona kuti hapanemvere cena paciʋara, ʋuye kuti hapanakudzika pasi peganda, asi paʋa nan hapo, muprista unofanira kumupfigira mazuʋa manomŋe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi kana muprista akachiongorora, pasina bvudzi jena pagwapa uye kana zvisina kudzika kudarika ganda uye zvaserera, ipapo muprista anofanira kumugarisa oga kwamazuva manomwe.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi kana mupristi akariongorora akaona mvere dzepo dzisina kuchenuruka pasina kudzika kupfuura ganda asi pakangosvibasviba, mupristi ngaamugarise pake onga kwamazuva manomwe.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi kana mupristi akapacherekedza, akaona kuti hapana mvere chena pachivara, uye kuti hapana kudzika pasi peganda, asi pava nani hapo, mupristi anofanira kumupfigira mazuva manomwe.
Shona 2009?
Asi kana muprista akapacherekedza, akaona kuti hapana mvere chena pachivara, uye kuti hapana kudzika pasi peganda, asi pava nani hapo, muprista anofanira kumupfigira mazuva manomwe.
Shona SUB 2002 Bible
Asi kana mupristi akapacherechedza, akaona kuti hapana mvere chena pachivara, uye kuti hapana kudzika pasi peganda, asi pava nani hapo, mupristi anofanira kumupfigira mazuva manomwe.