Leviticus 13:27 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino muprista unofanira kumucerekedza nezuʋa recinomŋe; kana pakaramba pacinyeŋga paganda, muprista unofanira kureʋa kuti haana‐kunaka; ihosha yamaperembudzi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pazuva rechinomwe muprista anofanira kumuongorora uye kana zvichipararira neganda, muprista achazivisa kuti haana kuchena; chirwere chinotapukira cheganda.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pazuva rechinomwe mupristi ngaadzokorore kumuongorora. Kana zvichipararira neganda, mupristi ngaataure pachena kuti munhu iyeyo ava munhu akan'ora; chirwere chamapere ichocho.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mupristi anofanira kumucherekedza nezuva rechinomwe; kana pakaramba pachinyenga paganda, mupristi anofanira kureva kuti haana kunaka; ihosha yamaperembudzi.
Shona 2009?
Zvino muprista anofanira kumucherekedza nezuva rechinomwe; kana pakaramba pachinyenga paganda, muprista anofanira kureva kuti haana kunaka; ihosha yamaperembudzi.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mupristi anofanira kumucherechedza nezuva rechinomwe; kana pakaramba pachipararira paganda, mupristi anofanira kureva kuti haana kunaka; chirwere chamaperembudzi.