Leviticus 13:28 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana ciʋara cikaramba ciri panɀimbo yaco, cikasanyeŋga paganda, asi caʋa nani, ndiko kuɀimba kwokutȿa hako, muprista unofanira kureʋa kuti wakanaka hake, nokuti ciʋara cokutȿa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi kana gwapa rikasapinduka uye risina kupararira, asi raserera, kuzvimba kunobva pakutsva uye muprista achazivisa kuti akachena, rinongova vanga rinobva pakutsva.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi kana vara iroro rakachenuruka rikaramba riri panzvimbo imwechete risina kupararira neganda rakangozvibasviba, kunenge kuchingova zvako kuzviiba kwakasiyiwa neronda routsva. Mupristi ngaataure pachena kuti munhu iyeyo haana kun'ora nokuti rinongova vanga rakasiyiwa neronda rokutsva.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana chivara chikaramba chiri panzvimbo yacho, chikasanyenga paganda, asi chava nani, ndiko kuzvimba kwokutsva hako, mupristi anofanira kureva kuti wakanaka hake, nokuti chivara chokutsva.
Shona 2009?
Kana chivara chikaramba chiri panzvimbo yacho, chikasanyenga paganda, asi chava nani, ndiko kuzvimba kokutsva hako, muprista anofanira kureva kuti wakanaka hake, nokuti chivara chokutsva.
Shona SUB 2002 Bible
Kana chivara chikaramba chiri panzvimbo yacho, chikasapararira paganda, asi chava nani, ndiko kuzvimba kwokutsva hako, mupristi anofanira kureva kuti wakanaka hake, nokuti chivara chokutsva.