Leviticus 13:30 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
muprista unofanira kucerekedza hosha; kana akaʋona kuti yakapinda mukati, pasi peganda, mvere dziri’po dziri tȿuku dzakaita secena, dziri nhete, muprista unofanira kureʋa kuti haana‐kunaka; pafunuka, ndiwo maperembudzi omusoro kana endebvu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
muprista anofanira kumuongorora chironda, uye kana chichiratidza kudzika kudarika ganda, uye bvudzi riri machiri riri renhundurwa uye riri dete, muprista achazivisa kuti munhu iyeye haana kuchena, kuswinya, chirwere chinotapukira chomusoro kana chechirebvu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
mupristi ngaaongorore chironda ichocho. Kana chichinge chakadzika kupfuura ganda, vhudzi repo rakachenuruka rakaserekana chisasa chacho chirwere chamapere, chomumusoro kana kuti chapachirebvu. Mupristi ngaataure pachena kuti munhu iyeyo ava munhu akan'ora.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
mupristi anofanira kucherekedza hosha; kana akaona kuti yakapinda mukati, pasi peganda, mvere dziripo dziri tsvuku dzakaita sechena, dziri nhete, mupristi anofanira kureva kuti haana kunaka; pafunuka, ndiwo maperembudzi omusoro kana endebvu.
Shona 2009?
muprista anofanira kucherekedza hosha; kana akaona kuti yakapinda mukati, pasi peganda, mvere dziripo dziri tsvuku dzakaita sechena, dziri nhete, muprista anofanira kureva kuti haana kunaka; pafunuka, ndiwo maperembudzi omusoro kana endebvu.
Shona SUB 2002 Bible
mupristi anofanira kucherechedza chirwere; kana akaona kuti chakapinda mukati, pasi peganda, mvere dziripo dziri tsvuku dzakaita sechena, dziri nhete, mupristi anofanira kureva kuti haana kunaka; pafunuka, ndiwo maperembudzi omusoro kana endebvu.