Leviticus 13:31 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana muprista akacerekedza hosha yakafunuka, akaʋona kuti haina‐kupinda mukati pasi peganda, pasinemvere nhema ipapo, muprista unofanira kupfigira munhu unehosha yokufunuka mazuʋa manomŋe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi kana muprista akaongorora ronda iri uye kana risingaratidzi kudzika kudarika ganda uye pasina bvudzi dema pariri, zvino muprista anofanira kuchengeta munhu ane hosha ari oga kwamazuva manomwe.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana mupristi akaongorora chisasa ichocho akaona kuti hachina kudzika kupfuura ganda vhudzi repo risina kuserekana, ngaamugarise pake oga kwamazuva manomwe.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana mupristi akacherekedza hosha yakafunuka, akaona kuti haina kupinda mukati pasi peganda, pasina mvere nhema ipapo, mupristi anofanira kupfigira munhu une hosha yokufunuka mazuva manomwe.
Shona 2009?
Kana muprista akacherekedza hosha yakafunuka, akaona kuti haina kupinda mukati pasi peganda, pasina mvere nhema ipapo, muprista anofanira kupfigira munhu une hosha yokufunuka mazuva manomwe.
Shona SUB 2002 Bible
Kana mupristi akacherechedza chirwere chokufunuka, akaona kuti hachina kupinda mukati pasi peganda, pasina mvere nhema ipapo, mupristi anofanira kupfigira munhu ane chirwere chokufunuka mazuva manomwe.