Leviticus 13:32 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nomusi wecinomŋe muprista unofanira kucerekedza hosha; kana akaʋona kuti pakafunuka hapana‐kunyeŋga, pasinemvere tȿuku, dzakaita secena, akaʋona kuti haina‐kupinda mukati pasi peganda,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pazuva rechinomwe muprista anofanira kuongorora ronda, uye kana kuswinya kusina kupararira uye pasina bvudzi renhundurwa uye risingaratidzi kudzika kudarika ganda,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pazuva rechinomwe mupristi ngaadzokorore kuongorora chisasa ichocho. Kana akaona chisina kupararira, vhudzi repo risina kutsvukuruka, chisina kudzika kupfuura ganda,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nomusi wechinomwe mupristi anofanira kucherekedza hosha; kana akaona kuti haina kupinda mukati pasi peganda,
Shona 2009?
Nomusi wechinomwe muprista anofanira kucherekedza hosha; kana akaona kuti haina kupinda mukati pasi peganda,
Shona SUB 2002 Bible
Nomusi wechinomwe mupristi anofanira kucherechedza chirwere; kana akaona kuti hachina kupinda mukati pasi peganda,