Leviticus 13:34 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
nomusi wecinomŋe muprista unofanira kucerekedza pakafunuka; kana akaʋona kuti pakafunuka hapana‐kunyeŋga paganda, ʋuye kuti hapana‐kupinda mukati pasi peganda, muprista unofanira kureʋa kuti wakanaka hake; ɀino iye ŋgaasuke ŋguʋo dzake, anake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pazuva rechinomwe muprista anofanira kuongorora panovava, uye kana pasina kupararira neganda zvichiratidza kuti hazvina kudzika kudarika ganda, muprista achazivisa kuti akachena. Anofanira kusuka nguo dzake agova akachena.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pazuva rechinomwe mupristi ngaaongororezve chisasa chiya. Kana chichinge chisina kupararira, chisina kudzika kupfuura ganda ngaataure pachena kuti munhu iyeyo achenurwa. Munhu iyeyo ngaasuke hanzu dzake, achave munhu akachenurwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
nomusi wechinomwe mupristi anofanira kucherekedza pakafunuka; kana akaona kuti pakafunuka hapana kunyenga paganda, uye kuti hapana kupinda mukati pasi peganda, mupristi anofanira kureva kuti wakanaka hake; zvino iye ngaasuke nguo dzake, anake.
Shona 2009?
nomusi wechinomwe muprista anofanira kucherekedza pakafunuka; kana akaona kuti pakafunuka hapana kunyenga paganda, uye kuti hapana kupinda mukati pasi peganda, muprista anofanira kureva kuti wakanaka hake; zvino iye ngaasuke nguvo dzake, anake.
Shona SUB 2002 Bible
nomusi wechinomwe mupristi anofanira kucherechedza pakafunuka; kana akaona kuti pakafunuka hapana kupararira paganda, uye kuti hapana kupinda mukati pasi peganda, mupristi anofanira kureva kuti wakanaka hake; zvino iye ngaasuke nguo dzake, anake.