Leviticus 13:36 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
muprista unofanira kumucerekedza; kana akaʋona kuti pakafunuka panyeŋga paganda, ŋgaarege hake kutȿaka mvere tȿuku dzakaita secena; haana‐kunaka.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
muprista anofanira kumuongorora, uye kana kuvava kwapararira neganda, muprista haafaniri kutsvaga bvudzi renhundurwa, nokuti munhu iyeye haana kuchena.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
mupristi ngaamuongororezve. Kana chisasa ichocho chapararira neganda, mupristi ngaarege zvake kuswerombotsvaka vhudzi rakatsvukuruka, munhu iyeyo akan'ora.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
mupristi anofanira kumucherekedza; kana akaona kuti pakafunuka panyenga paganda, ngaarege hake kutsvaka mvere tsvuku dzakaita sechena; haana kunaka.
Shona 2009?
muprista anofanira kumucherekedza; kana akaona kuti pakafunuka panyenga paganda, ngaarege hake kutsvaka mvere tsvuku dzakaita sechena; haana kunaka.
Shona SUB 2002 Bible
mupristi anofanira kumucherechedza; kana akaona kuti pakafunuka papararira paganda, ngaarege hake kutsvaka mvere tsvuku dzakaita sechena; haana kunaka.