Leviticus 13:39 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
muprista unofanira kuɀicerekedza; kana akaʋona kuti ɀiʋara paganda renyama ɀiri ɀicena, ɀisiŋgabginyi, imhizi dzakaɓuɗa paganda, ʋakanaka haʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
muprista anofanira kuaongorora uye kana makwapa asina kunyanyochena, tumapundu tusingakuvadzi twabuda paganda, munhu iyeye akachena.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
mupristi ngaaongorore. Kana mavara iwayo apaganda romuviri wake asina kunyatsochenuruka anongova mavara zvawo anenge anyuka paganda. Munhu iyeyo haana kun'ora.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
mupristi anofanira kuzvicherekedza; kana akaona kuti zvivara paganda renyama zviri zvichena, zvisingabwinyi, imhezi dzakabuda paganda, vakanaka havo.
Shona 2009?
muprista anofanira kuzvicherekedza; kana akaona kuti zvivara paganda renyama zviri zvichena, zvisingabwinyi, imhezi dzakabuda paganda, vakanaka havo.
Shona SUB 2002 Bible
mupristi anofanira kuzvicherechedza; kana akaona kuti zvivara paganda renyama zviri zvichena, zvisingabwinyi, imhezi dzakabuda paganda, vakanaka havo.