Leviticus 13:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana ciʋara ciri cicena paganda romuʋiri wake, cikaʋonekwa kuti hacina‐kupinda mukati meganda kwaɀo, mvere dzisina‐kushanduka, dzikaʋa cena, muprista unofanira kupfigira munhu uyo unehosha mazuʋa manomŋe;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana gwapa riri paari riri jena asi risingaratidzi kudzika kudarika paganda uye bvudzi risina kuchena, muprista anofanira kugarisa munhu iyeye oga kwamazuva manomwe.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi kana pakazvimba ipapo pakangochenuruka, pachingova muganda rake chete pasina kupinda munyama, uyewo mvere dzapo dzisina kuchenuruka, mupristi ngaise munhu iyeyo ane chirwere pake oga kwemazuva manomwe.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana chivara chiri chichena paganda romuviri wake, chakaonekwa kuti hachina kupinda mukati meganda kwazvo, mvere dzisina kushanduka, dzikava chena, mupristi anofanira kupfigira munhu uyo une hosha mazuva manomwe;
Shona 2009?
Kana chivara chiri chichena paganda romuviri wake, chakaonekwa kuti hachina kupinda mukati meganda kwazvo, mvere dzisina kushanduka, dzikava chena, muprista anofanira kupfigira munhu uyo une hosha mazuva manomwe;
Shona SUB 2002 Bible
Kana chivara chiri chichena paganda romuviri wake, chakaonekwa kuti hachina kupinda mukati meganda kwazvo, mvere dzisina kushanduka, dzikava chena, mupristi anofanira kupfigira munhu uyo une chirwere mazuva manomwe;