Leviticus 13:44 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
munhu uyo unamaperembudzi, haana‐kunaka; muprista unofanira kureʋa kwaɀo kuti haana‐kunaka; hosha yake iri pamusoro wake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
murume iyeye arwara uye haana kuchena. Muprista anofanira kuzivisa kuti haana kuchena nokuda kwechironda chiri pamusoro wake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
munhu iyeyo anenge ava nechirwere chamapere, ava munhu akan'ora. Mupristi ngaanyatsotaura pachena kuti munhu iyeyo ava munhu akan'ora, chirwere chacho chiri mumusoro wake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
munhu uyo una maperembudzi, haana kunaka; mupristi anofanira kureva kwazvo kuti haana kunaka; hosha yake iri pamusoro wake.
Shona 2009?
munhu uyo una maperembudzi, haana kunaka; muprista anofanira kureva kwazvo kuti haana kunaka; hosha yake iri pamusoro wake.
Shona SUB 2002 Bible
munhu uyo ane maperembudzi, haana kunaka; mupristi anofanira kureva kwazvo kuti haana kunaka; chirwere chake chiri pamusoro wake.