Leviticus 13:45 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino munhu unamaperembudzi, unehosha iyo, ŋguʋo dzake dzinofanira kubvarurwa, nevudzi romusoro wake rinofanira kusunuŋgurwa, ʋuye unofanira kufukidza muromo wake wokumsoro, agoɗanidzira, aciti: Ndakaipa, ndakaipa!
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Munhu ane chirwere chinotapukira ichi anofanira kupfeka nguo dzakabvaruka, osiya bvudzi rake risina kukamwa, ofukidza chikamu chepasi cheuso hwake, odanidzira achiti, ‘Handina kuchena! Handina kuchena!’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Munhu ane chirwere chamapere ngaapfeke marengenya, arege vhudzi rake rakaita jakuchichi, afukidze chirebvu chake adaidzire achiti, ‘Ndakan'ora! Ndakan'ora!’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino munhu una maperembudzi, une hosha iyo, nguo dzake dzinofanira kubvarurwa, nevhudzi romusoro wake rinofanira kusunungurwa, uye anofanira kufukidza muromo wake wokumusoro, agodanidzira, achiti, ‘Ndakaipa, ndakaipa!’
Shona 2009?
Zvino munhu una maperembudzi, une hosha iyo, nguvo dzake dzinofanira kubvarurwa, nevhudzi romusoro wake rinofanira kufukurwa, uye anofanira kufukidza muromo wake wokumusoro, agodanidzira, achiti, `Ndakaipa, ndakaipa!'
Shona SUB 2002 Bible
Zvino munhu ane maperembudzi, ane chirwere ichi, nguo dzake dzinofanira kubvarurwa, nevhudzi romusoro wake rinofanira kusunungurwa, uye anofanira kufukidza muromo wake wokumusoro, agodanidzira, achiti, ‘Ndakaipa, ndakaipa!’