Leviticus 13:49 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
kana hosha yakaita senhema, kana tȿuku paŋguʋo, kana paɗebge, kana paneɀakarukwa, kana paneɀakakoshwa, kana pacinhu cipi necipi ceɗebge; ihosha yamaperembudzi inofanira kuratidzwa muprista;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
uye kana utachiona huri muchipfeko kana dehwe kana mucheka wakarukwa kana chinhu chedehwe, chiri choruvara rwezerere kana chakatsvukuruka, chirwere chinopararira chamaperembudzi uye chinofanira kuratidzwa kumuprista.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
kana mavara acho akasvibira kana kutsvukuruka achioneka pahanzu yakarukwa nerineni kana newuru, kana kutsvukuruka, chiundudzi. Mupristi ngaaratidzwe mavara iwayo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
kana hosha yakaita senhema, kana tsvuku panguo, kana padehwe, kana pane zvakarukwa, kana pane zvakakoswa, kana pachinhu chipi nechipi chedehwe; ihosha yamaperembudzi inofanira kuratidzwa mupristi;
Shona 2009?
kana hosha yakaita senhema, kana tsvuku panguvo, kana padebwe, kana pane zvakarukwa, kana pane zvakakoshwa, kana pachinhu chipi nechipi chedebwe; ihosha yamaperembudzi inofanira kuratidzwa muprista;
Shona SUB 2002 Bible
kana chirwere chakaita senhema, kana tsvuku panguo, kana padehwe, kana pane zvakarukwa, kana pane zvakakoswa, kana pachinhu chipi nechipi chedehwe; chirwere chamaperembudzi chinofanira kuratidzwa mupristi;