Leviticus 13:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
nomusi wecinomŋe muprista unofanira kumucerekedza; kana akaʋona kuti hosha yakaita seyamira, kuti hosha haina‐kunyeŋga paganda, ɀino muprista unofanira kumupfigira mamŋe mazuʋa manomŋe ɀe;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pazuva rechinomwe muprista anofanira kumuongorora uye akaona kuti chironda hachina kupinduka uye hachina kupararira muganda anofanira kumuchengeta pake oga kwamamwe mazuva manomwe.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pazuva rechinomwe mupristi ngaamuongororezve, mumaonero ake kana akaona kuti chirwere chiya chichiripo hachinawo kupararira neganda rake, mupristi ngaaise murwere iyeyo pake oga kwemamwe mazuva manomwe.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
nomusi wechinomwe mupristi anofanira kumucherekedza; kana akaona kuti hosha yakaita seyamira, kuti hosha haina kunyenga paganda, zvino mupristi anofanira kumupfigira mamwe mazuva manomwezve;
Shona 2009?
nomusi wechinomwe muprista anofanira kumucherekedza; kana akaona kuti hosha yakaita seyamira, kuti hosha haina kunyenga paganda, zvino muprista anofanira kumupfigira mamwe mazuva manomwezve;
Shona SUB 2002 Bible
nomusi wechinomwe mupristi anofanira kumucherechedza; kana akaona kuti chirwere chaita sechamira, kuti chirwere hachina kupararira paganda, zvino mupristi anofanira kumupfigira mamwe mazuva manomwezve;