Leviticus 13:51 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ɀino unofanira kucerekedza hosha nezuʋa recinomŋe; kana hosha yakanyeŋga paŋguʋo, kana iri yakarukwa, kana yakakoshwa, kana yeɗebge, rineɓasa ripi neripi; hosha iyo ndeyamaperembudzi akaipa kwaɀo; haina‐kunaka.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pazuva rechinomwe anofanira kuchiongorora uye kana maperembudzi apararira muchipfeko kana nguo yakarukwa, zvisinei kuti chinoshandiswei, chirwere chinoparadza chamaperembudzi; chinhu ichocho hachina kuchena.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pazuva rechinomwe ngaadzokorore kuongorora chiundudzi chiya. Kana mavara echiundudzi chiya apararira nehanzu yakarukwa nerineni kana newuru kana yedehwe kunyange richishandiswa basa rei zvaro, chiundudzi chendambirira chakan'ora.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
zvino anofanira kucherekedza hosha nezuva rechinomwe; kana hosha yakanyenga panguo, kana iri yakarukwa, kana yakakoswa, kana yedehwe, rine basa ripi neripi; hosha iyo ndeyamaperembudzi akaipa kwazvo; haina kunaka.
Shona 2009?
zvino anofanira kucherekedza hosha nezuva rechinomwe; kana hosha yakanyenga panguvo, kana iri yakarukwa, kana yakakoshwa, kana yedebwe, rine basa ripi neripi; hosha iyo ndeyamaperembudzi akaipa kwazvo; haina kunaka.
Shona SUB 2002 Bible
zvino anofanira kucherechedza chirwere nezuva rechinomwe; kana chirwere chakaparira panguo, kana iri yakarukwa, kana yakakoswa, kana yedehwe, rine basa ripi neripi; chirwere icho ndechamaperembudzi akaipa kwazvo; hachina kunaka.