Leviticus 13:52 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino unofanira kupisa ŋguʋo, kana iri yakarukwa, kana yakakoshwa, kana yamakushe amakwai, kana yomuceka, kana ipi neipi yeɗebge, inehosha iyo; nokuti maperembudzi akaipa kwaɀo; inofanira kupiswa nomŋoto.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Anofanira kupisa nguo yacho, kana mucheka wakarukwa wewuru kana mucheka weshinda, kana wedehwe une utachiona mauri, nokuti maperembudzi anoparadza, chinhu ichocho chinofanira kupiswa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mupristi ngaapise hanzu iyoyo yakarukwa yewuru kana yejira nerineni kana chinhu chakagadzirwa nedehwe nokuti chine chiundudzi chakaipisisa kwazvo chinopararira. Ngachipiswe nomoto.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino anofanira kupisa nguo, kana iri yakarukwa, kana yakakoswa, kana yamakushe amakwai, kana yomucheka, kana ipi neipi yedehwe, ine hosha iyo; nokuti maperembudzi akaipa kwazvo; inofanira kupiswa nomoto.
Shona 2009?
Zvino anofanira kupisa nguvo, kana iri yakarukwa, kana yakakoshwa, kana yamakushe amakwai, kana yomucheka, kana ipi neipi yedebwe, ine hosha iyo; nokuti maperembudzi akaipa kwazvo; inofanira kupiswa nomoto.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino anofanira kupisa nguo, kana iri yakarukwa, kana yakakoswa, kana yamakushe amakwai, kana yomucheka, kana ipi neipi yedehwe, ine chirwere icho; nokuti maperembudzi akaipa kwazvo; anofanira kupiswa nomoto.