Leviticus 13:55 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
muprista agocerekedza ɀe kana hosha yasukwa; kana akaʋona kuti hosha haina‐kushanduka ruʋara rwayo, ʋuye kuti hosha haina‐kunyeŋga, hacina‐kunaka; unofanira kucipisa nomŋoto; yapinda mukati kwaɀo, kana necapamsoro kana necapanyasi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mushure mokunge chinhu chine utachiona chasukwa, muprista anofanira kuchiongorora uye kana maperembudzi asina kuratidza kupinduka maonekero awo, kunyange zvisina kupararira, hachina kuchena. Pisai chinhu ichocho nomoto kunyange maperembudzi akanganisa divi rimwe chete.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mupristi ngaaongorore hanzu iya yakambosukwa. Kana akaona chiundudzi chacho chisina kupararira, uye ruvara rwacho rusina kusanduka, hanzu iyoyo yakan'ora. Kunyange chiundudzi chacho chiri nechemberi kana seri kwehanzu iyoyo ngaipiswe nomoto.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
mupristi agocherekedzazve kana hosha yasukwa; kana akaona kuti hosha haina kushanduka ruvara rwayo, uye kuti hosha haina kunyenga, hachina kunaka; anofanira kuchipisa nomoto; yapinda mukati kwazvo, kana nechapamusoro kana nechapanyasi.
Shona 2009?
muprista agocherekedzazve kana hosha yasukwa; kana akaona kuti hosha haina kushanduka ruvara rwayo, uye kuti hosha haina kunyenga, hachina kunaka; anofanira kuchipisa nomoto; yapinda mukati kwazvo, kana nechapamusoro kana nechapanyasi.
Shona SUB 2002 Bible
mupristi agocherechedzazve kana chirwere chasukwa; kana akaona kuti chirwere hachina kushanduka ruvara rwacho, uye kuti chirwere hachina kupararira, hachina kunaka; anofanira kuchipisa nomoto; chapinda mukati kwazvo, kana nechapamusoro kana nechapanyasi.