Leviticus 13:56 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana muprista akacerekedza, akaʋona kuti hosha yaʋa nani pakusukwa kwayo, unofanira kubvarura ŋguʋo kupabvisa’po, kana paɗebge, kana pakarukwa, kana pakakoshwa;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana muprista akachiongorora, maperembudzi akange aumbuka mushure mokunge chinhu chasukwa, anofanira kubvarura chidimbu chapinda utachiona kubva panguo, kana padehwe kana pamucheka wakarukwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Asi kana mupristi paanochiongorora, akaona chiundudzi ichocho chakambosukwa chabhuruvara ngaabvarure abvise panga paine chiundudzi, pahanzu yakarukwa nerineni kana newuru, kana padehwe.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana mupristi akacherekedza, akaona kuti hosha yava nani pakusukwa kwayo, anofanira kubvarura nguo kupabvisapo, kana padehwe, kana pakarukwa, kana pakakoswa;
Shona 2009?
Kana muprista akacherekedza, akaona kuti hosha yava nani pakusukwa kwayo, anofanira kubvarura nguvo kupabvisapo, kana padebwe, kana pakarukwa, kana pakakoshwa;
Shona SUB 2002 Bible
Kana mupristi akacherechedza, akaona kuti chirwere chava nani pakusukwa kwacho, anofanira kubvarura nguo kupabvisapo, kana padehwe, kana pakarukwa, kana pakakoswa;