Leviticus 13:59 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndiwo murairo wehosha yamaperembudzi paŋguʋo yamakushe amakwai, kana yomuceka, kana cinhu cipi necipi ceɗebge, kuti cigonzi cakanaka, kana hacina‐kunaka.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Iyi ndiyo mirayiro inoenderana nokuzadzwa namaperembudzi kwechipfeko chewuru kana chomucheka, mucheka wakarukwa kana chinhu chose chedehwe kuti zvigoziviswa kuti zvakachena kana kuti hazvina kuchena.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Uyu ndiwoyu murao wezvechiundudzi chinenge chava pahanzu yakarukwa yewuru kana yerineni, kana pane chii zvacho chakagadzirwa nedehwe kuti pagoonekwa kana chiri chakan'ora kana chisina kun'ora.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Ndiwo murayiro wehosha yamaperembudzi panguo yamakushe amakwai, kana yomucheka, kana chinhu chipi nechipi chedehwe, kuti chigonzi chakanaka, kana hachina kunaka.”
Shona 2009?
"Ndiwo murayiro wehosha yamaperembudzi panguvo yamakushe amakwai, kana yomucheka, kana chinhu chipi nechipi chedebwe, kuti chigonzi chakanaka, kana hachina kunaka."
Shona SUB 2002 Bible
“Ndiwo murairo wechirwere chamaperembudzi panguo yamakushe amakwai, kana yomucheka, kana chinhu chipi nechipi chedehwe, kuti chigonzi chakanaka, kana hachina kunaka.”