Leviticus 13:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ɀino muprista unofanira kumucerekedza nezuʋa recinomŋe; kana akaʋona kuti hosha yaita nani, kuti hosha haina‐kunyeŋga paganda, ɀino muprista ucareʋa kuti munhu wakanaka hake; pakaŋga pakafunuka hapo; ipapo unofanira kusuka ŋguʋo dzake agoʋa wakanaka.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pazuva rechinomwe muprista anofanira kumuongorora zvakare, uye kana chironda chaserera uye chisina kupararira neganda, muprista achamuzivisa somunhu akachena, tunongova tumapundu. Munhu anofanira kusuka nguo dzake uye achava akachena.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pazuva rechinomwe mupristi ngaamuongorore zvakare. Kana paiva nechirwere pacho pasviba-sviba, chirwere chisina kupararira neganda, mupristi ngaachimuti wachenurwa, kwanga kuri kuzvimbawo zvako. Munhu iyeyo ngaasuke hanzu dzake ave munhu akachenurwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
zvino mupristi anofanira kumucherekedza nezuva rechinomwe; kana akaona kuti hosha yaita nani, kuti hosha haina kunyenga paganda, zvino mupristi uchareva kuti munhu wakanaka hake; pakanga pakafunuka hapo; ipapo anofanira kusuka nguo dzake agova wakanaka.
Shona 2009?
zvino muprista anofanira kumucherekedza nezuva rechinomwe; kana akaona kuti hosha yaita nani, kuti hosha haina kunyenga paganda, zvino muprista uchareva kuti munhu wakanaka hake; pakanga pakafunuka hapo; ipapo anofanira kusuka nguvo dzake agova wakanaka.
Shona SUB 2002 Bible
zvino mupristi anofanira kumucherechedza nezuva rechinomwe; kana akaona kuti chirwere chaita nani, kuti chirwere hachina kupararira paganda, zvino mupristi uchareva kuti munhu wakanaka hake; pakanga pakafunuka hapo; ipapo anofanira kusuka nguo dzake agova wakanaka.