Leviticus 13:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ɀino muprista unofanira kucerekedza; kana akaʋona kuti pakafunuka panyeŋga paganda, ipapo muprista unofanira kureʋa kuti haana‐kunaka, maperembudzi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Muprista anofanira kumuongorora, uye kana tumapundu twapararira neganda, achazivisa kuti haana kuchena; chirwere chinotapukira.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mupristi ngaongororezve kana akaona kuti matuzu acho apararira neganda, ngaataure pachena kuti munhu iyeyo ava munhu akan'ora, chinenge chiri chirwere chamapere.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
zvino mupristi anofanira kucherekedza; kana akaona kuti pakafunuka panyenga paganda, ipapo mupristi anofanira kureva kuti haana kunaka, maperembudzi.
Shona 2009?
zvino muprista anofanira kucherekedza; kana akaona kuti pakafunuka panyenga paganda, ipapo muprista anofanira kureva kuti haana kunaka, maperembudzi.
Shona SUB 2002 Bible
zvino mupristi anofanira kucherechedza; kana akaona kuti pakafunuka pakapararira paganda, ipapo mupristi anofanira kureva kuti haana kunaka, maperembudzi.