Leviticus 14:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nomusi worusere unofanira kutora makwaiana maʋiri amakondobge, asinemhoȿa, negwaiana rimŋe reshece rinegore rimŋe, risinemhoȿa, neɀegumi ɀitatu ɀeefa yoʋupfu bgakatsetseka, ciʋe cipiriso coʋupfu, bgakakanyiwa namafuta, nerogi imŋe yamafuta.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Pazuva rorusere anofanira kuuya namakwayana maviri amakondohwe nesheshe imwe chete, dzose dzine gore dzisina kuremara, pamwe chete nezvikamu zvitatu kubva mugumi zveefaa zvoupfu hwakatsetseka hwakasanganiswa namafuta sechipiriso chezviyo nerogib imwe chete yamafuta.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Pazuva rorusere ngaaunze hwayana, hono mbiri nedunzvi rehwai dzisina chinoshoreka padziri dzine gore rimwechete namakirogiramu matatu eupfu hwakanywa namafuta eorivhi uye mafuta eorivhi anokwana chikamu chepakati nepakati cherita.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nomusi worusere anofanira kutora makwayana maviri amakondohwe, asina mhosva, negwayana rimwe resheche rine gore rimwe, risina mhosva, nezvegumi zvitatu zveefa youpfu hwakatsetseka, chive chipiriso choupfu, hwakakanyiwa namafuta, nerogi imwe yamafuta.
Shona 2009?
Nomusi worusere anofanira kutora makwayana maviri amakondobwe, asina mhosva, negwayana rimwe resheche rine gore rimwe, risina mhosva, nezvegumi zvitatu zveefa youpfu hwakatsetseka, chive chipiriso choupfu, hwakakanyiwa namafuta, nerogi imwe yamafuta.
Shona SUB 2002 Bible
Nomusi worusere anofanira kutora makwayana maviri amakondohwe, asina chipomerwa, negwayana rimwe resheche rine gore rimwe, risina chipomerwa, nezvegumi zvitatu zveefa youpfu hwakatsetseka, chive chipiriso choupfu, hwakakanyiwa namafuta, nerogi imwe yamafuta.