Leviticus 14:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Muprista unofanira kupisa cipiriso ceɀiʋi, kuti ayananisire munhu unonatswa, nokuɗa kwokusanaka kwake; pashure unofanira kuʋuraya cipiriso cinopiswa;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Ipapo muprista achabayira chipiriso chechivi agoyananisira uyo anofanira kucheneswa kubva pakusachena kwake. Mushure maizvozvo muprista achabaya chipiriso chinopiswa
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Mupristi ngaaite mupiro wokupfupira zvitadzo, achiripira munhu ari kuchenurwa pakun'ora kwake. Kana aita izvozvo, ngaauraye chibayiro chemupiro wokupisa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mupristi anofanira kupisa chipiriso chezvivi, kuti ayananisire munhu unonatswa, nokuda kwokusanaka kwake; pashure anofanira kuuraya chipiriso chinopiswa;
Shona 2009?
muprista anofanira kupisa chipiriso chezvivi, kuti ayananisire munhu unonatswa, nokuda kokusanaka kwake; pashure anofanira kuuraya chipiriso chinopiswa;
Shona SUB 2002 Bible
Mupristi anofanira kupisa chipiriso chezvivi, kuti ayananisire munhu unonatswa, nokuda kwokusanaka kwake; pashure anofanira kuuraya chipiriso chinopiswa;