Leviticus 14:21 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana ari murombo, asiŋgagoni kuwana ɀizhinji ɀakaɗai, unofanira kutora gwaiana rimŋe regondobge, ciʋe cipiriso cemhoȿa cokuzuŋguzira, kumuyananisira, necegumi ceefa yoʋupfu bgakatsetseka, bgakakanyiwa namafuta, ciʋe cipiriso coʋupfu, pamŋe cete nerogi yamafuta;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Zvino kana ari murombo asingakwanisi kuuya naizvozvi, anofanira kutora gwayana gono sechipiriso chemhosva kuti aninire agomuyananisira pamwe chete nechikamu chimwe chete kubva mugumi cheefac youpfu hwakatsetseka hwakasangana namafuta sechipiriso chezviyo, zvikamu zviviri kubva muzvitatu zverogi ramafuta,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Kana munhu iyeyo ari murombo asingakwanisi kuwana izvi zvose ngaaunze hwayana hono imwechete yomupiro wake wokuripa mhosva unosimudzirwa uchipirwa Mwari wokumuripira. Ngaaunzewo upfu hwemupiro wembesanwa hunorema kirogiramu rimwechete hwakakanywa nemafuta eorivhi pamwechete nechikamu chepakati nepakati cherita remafuta eorivhi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Kana ari murombo, asingagoni kuwana zvizhinji zvakadai, anofanira kutora gwayana rimwe regondohwe, chive chipiriso chemhosva chokuzunguzira, kumuyananisira, nechegumi cheefa youpfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, chive chipiriso choupfu, pamwechete nerogi yamafuta;
Shona 2009?
"Kana ari murombo, asingagoni kuwana zvizhinji zvakadai, anofanira kutora gwayana rimwe regondobwe, chive chipiriso chemhosva chokuzunguzira, kumuyananisira, nechegumi cheefa youpfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, chive chipiriso choupfu, pamwechete nerogi yamafuta;
Shona SUB 2002 Bible
“Kana ari murombo, asingagoni kuwana zvizhinji zvakadai, anofanira kutora gwayana rimwe regondohwe, chive chipiriso chemhosva chokuzunguzira, kumuyananisira, nechegumi cheefa youpfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, chive chipiriso choupfu, pamwechete nerogi yamafuta;