Leviticus 14:36 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo muprista unofanira kuraira kuti ʋaɓuɗise ɀose ɀiri mumba, iye muprista asina‐kupinda kundotarira hosha, kuti ɀose ɀiri mumba ɀirege kuȿiɓiswa; pashure muprista apinde kundotarira imba iyo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo muprista anofanira kurayira kuti vabudise zvose zviri mumba muprista asati apinda kundotarira hosha, kuti kurege kuva nechinhu chiri mumba chichanzi hachina kuchena. Mushure maizvozvo muprista anofanira kupinda agoongorora imba.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mupristi ngaati zvose zviri muimba yacho zviburitswe panze asati apindamo kundoongorora chiundudzi chacho nokuti akasadaro zvose zvirimo zvingazonzi zvakan'ora. Mushure maizvozvo mupristi ngaapindemo kundoongorora imba iyoyo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo mupristi anofanira kuraira kuti vabudise zvose zviri mumba, iye mupristi asina kupinda kundotarira hosha, kuti zvose zviri mumba zvirege kusvibiswa; pashure mupristi apinde kundotarira imba iyo.
Shona 2009?
Ipapo muprista anofanira kuraira kuti vabudise zvose zviri mumba, iye muprista asina kupinda kundotarira hosha, kuti zvose zviri mumba zvirege kusvibiswa; pashure muprista apinde kundotarira imba iyo.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo mupristi anofanira kuraira kuti vabudise zvose zviri mumba, iye mupristi asina kupinda kundotarira chirwere, kuti zvose zviri mumba zvirege kusvibiswa; pashure mupristi apinde kundotarira imba iyo.