Leviticus 14:37 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ŋgaacerekedze hosha; kana akaʋona kuti hosha iri mumadziro eimba; inamaʋara akapinda, akaita samatema kana matȿuku, akaita saakapinda mukati mamadziro,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Anofanira kuongorora maperembudzi ari mumadziro eimba uye kana ane mavara akapinda akaita soruvara rwezerere kana matsvuku akaita saakapinda mukati mamadziro,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ngaaongorore chiundudzi chacho, kana akaona chisiri pamusoro chete, chakapinda mukati memadziro, chiine ruvara rwamashizha kana kuti rwakatsvukuruka,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino ngaacherekedze hosha; kana akaona kuti hosha iri mumadziro eimba; ina mavara akapinda, akaita samatema kana matsvuku, akaita saakapinda mukati mamadziro,
Shona 2009?
Zvino ngaacherekedze hosha; kana akaona kuti hosha iri mumadziro eimba; ina mavara akapinda, akaita samatema kana matsvuku, akaita saakapinda mukati mamadziro,
Shona SUB 2002 Bible
Zvino ngaacherekedze chirwere; kana akaona kuti chirwere chiri mumadziro eimba; ina mavara akapinda, akaita samatema kana matsvuku, akaita saakapinda mukati mamadziro,