Leviticus 14:44 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
muprista unofanira kupinda nokucerekedza; kana akaʋona kuti hosha yapararira mumba, ndiwo maperembudzi akaipa kwaɀo, yaʋa yakaipa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
muprista anofanira kuenda kunozvinan'anidza. Kana maperembudzi apararira ihosha inoparadza, imba haina kuchena.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
mupristi ngaandoiona. Kana mavara echiundudzi ichocho apararira, nemba iyoyo, chinenge chiri chiundudzi chechirwere chinoparadza, imba iyoyo yaton'ora.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
mupristi anofanira kupinda nokucherekedza; kana akaona kuti hosha yapararira mumba, ndiwo maperembudzi akaipa kwazvo, yava yakaipa.
Shona 2009?
muprista anofanira kupinda nokucherekedza; kana akaona kuti hosha yapararira mumba, ndiwo maperembudzi akaipa kwazvo, yava yakaipa.
Shona SUB 2002 Bible
mupristi anofanira kupinda nokucherechedza; kana akaona kuti chirwere chapararira mumba, ndiwo maperembudzi akaipa kwazvo, yava yakaipa.