Leviticus 14:48 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana muprista akapinda, akatarira, akaʋona kuti hosha haina‐kupararira mumba, kubva pakuʋuyiwa kweimba, muprista unofanira kureʋa kuti imba yakanaka, nokuti hosha yapora.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Asi kana muprista akauya kuzoiongorora, akaona kuti maperembudzi haana kupararira mumba mushure mokunge yadzurwa, achati imba yakachena nokuti maperembudzi aenda.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Asi kana mupristi akauya kuzoongorora akaona chiundudzi chisina kupararira nemba iya ngaataure pachena kuti haina kun'ora nokuti chiundudzi chose chinenge chapera.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Kana mupristi akapinda, akatarira, akaona kuti hosha haina kupararira mumba, kubva pakuuyiwa kweimba, mupristi anofanira kureva kuti imba yakanaka, nokuti hosha yapora.
Shona 2009?
"Kana muprista akapinda, akatarira, akaona kuti hosha haina kupararira mumba, kubva pakuuyiwa kweimba, muprista anofanira kureva kuti imba yakanaka, nokuti hosha yapora.
Shona SUB 2002 Bible
“Kana mupristi akapinda, akatarira, akaona kuti chirwere hachina kupararira mumba, kubva pakuuyiwa kwemba, mupristi anofanira kureva kuti imba yakanaka, nokuti chirwere chapera.