Leviticus 14:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino unofanira kutora shiri mhenyu, neɗanda romusidari, nomuceka mutȿuku, nehisopi, ndokuɀinyika pamŋe cete neshiri mhenyu muropa reshiri yakaʋurawa pamsoro pemvura inoyerera.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Anofanira zvino kutora shiri mhenyu oinyika pamwe chete nedanda romusidhari, mucheka mutsvuku nehisopi muropa reshiri yaurayiwa pamusoro pemvura yakachena.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ngaatore shiri mhenyu pamwechete nechimuti chomusidhari netambo tsvuku nekabazi komuhisopi azvinyike pamwechete muropa reshiri iya yaurayirwa pamusoro pehari yevhu ine mvura yakanaka yakachena.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino anofanira kutora shiri mhenyu, nedanda romusidhari, nomucheka mutsvuku, nehisopi, ndokuzvinyika pamwechete neshiri mhenyu muropa reshiri yakaurawa pamusoro pemvura inoyerera.
Shona 2009?
Zvino anofanira kutora shiri mhenyu, nedanda romusidhari, nomucheka mutsvuku, nehisopi, ndokuzvinyika pamwechete neshiri mhenyu muropa reshiri yakaurawa pamusoro pemvura inoyerera.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino anofanira kutora shiri mhenyu, nedanda romusidhari, nomucheka mutsvuku, nehisopi, okuzvinyika pamwechete neshiri mhenyu muropa reshiri yakaurayiwa pamusoro pemvura inoyerera.