Leviticus 14:7 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino unofanira ku ri sasa kanomŋe pamsoro pomunhu unoɗa‐kunatswa pamaperembudzi ake, ndokureʋa kuti wakanaka; ipapo woregedza shiri mhenyu, iende hayo kusaŋgo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Achasasa uyo anofanira kucheneswa kubva kuchirwere chamaperembudzi kanomwe, agozivisa kuti akachena. Ipapo anofanira kuregera shiri mhenyu ichienda musango.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mupristi ngaasase ropa iroro kanomwe pamunhu uya anenge achenurwa pachirwere chamapere. Mupristi ngaataure pachena kuti haachisina kun'ora. Ipapo ngaabhururutse shiri mhenyu iya itetereke zvayo nesango.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino anofanira kurisasa kanomwe pamusoro pomunhu unoda kunatswa pamaperembudzi ake, ndokureva kuti wakanaka; ipapo woregedza shiri mhenyu, iende hayo kusango.
Shona 2009?
Zvino anofanira kurisasa kanomwe pamusoro pomunhu unoda kunatswa pamaperembudzi ake, ndokureva kuti wakanaka; ipapo woregedza shiri mhenyu, iende hayo kusango.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino anofanira kurisasa kanomwe pamusoro pomunhu unoda kunatswa pamaperembudzi ake, ndokureva kuti wakanaka; ipapo woregedza shiri mhenyu, iende hayo kusango.