Leviticus 14:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nomusi wecinomŋe unofanira kuʋeʋura vudzi rake rose romusoro wake, nendebvu dzake, netsiye dzake, aʋeʋure vudzi rake rose; ɀino ŋgaasuke ŋguʋo dzake, ndokushamba muʋiri wake, agoʋa wakanaka.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pazuva rechinomwe anofanira kuveura bvudzi rake rose. Anofanira kuveura musoro wake, ndebvu dzake, tsiye dzake, nerimwe bvudzi rake rose. Anofanira kusuka nguo dzake agozvishambidza nemvura uye achava akachena.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pazuva rechinomwe ngaaveurezve musoro wake nendebvu netsiye nevhudzi rose romuviri wake. Ngaasuke hanzu dzake nomuviri wake, ipapo achava munhu achenurwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nomusi wechinomwe anofanira kuveura vhudzi rake rose romusoro wake, nendebvu dzake, netsiye dzake, aveure vhudzi rake rose; zvino ngaasuke nguo dzake, ndokushamba muviri wake, agova wakanaka.
Shona 2009?
Nomusi wechinomwe anofanira kuveura vhudzi rake rose romusoro wake, nendebvu dzake, netsiye dzake, aveure vhudzi rake rose; zvino ngaasuke nguvo dzake, ndokushamba muviri wake, agova wakanaka.
Shona SUB 2002 Bible
Nomusi wechinomwe anofanira kuveura vhudzi rake rose romusoro wake, nendebvu dzake, netsiye dzake, aveure vhudzi rake rose; zvino ngaasuke nguo dzake, nokushamba muviri wake, agova wakanaka.