Leviticus 15:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Aninani unoɓata cinhu cakaŋga ciri pasi pake, ucaʋa usina‐kunaka kuȿikira maɗeko; kunyaŋge wakatakura ɀinhu iɀo ŋgaasuke ŋguʋo dzake, aɀishambidze nemvura, aʋe usina‐kunaka kuȿikira maɗeko.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
uye ani naani achabata zvinhu zvanga zviri pasi pake achava asina kuchena kusvikira manheru; ani naani anonhonga zvinhu izvozvo anofanira kusuka nguo dzake agoshamba nemvura, uye achava asina kuchena kusvikira manheru.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ani naani anobata chinenge chambogarwa nomunhu iyeyo atova munhu akan'ora kusvikira zuva ridoke. Anenge atakura chinhu chakadaro, ngaasuke hanzu dzake ashambe muviri wake nemvura. Achava munhu akan'ora kusvikira manheru.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ani naani unobata chinhu chakanga chiri pasi pake, uchava usina kunaka kusvikira madeko; kunyange wakatakura zvinhu izvo ngaasuke nguo dzake, azvishambidze nemvura, ave usina kunaka kusvikira madeko.
Shona 2009?
Ani naani unobata chinhu chakanga chiri pasi pake, uchava usina kunaka kusvikira madeko; kunyange wakatakura zvinhu izvo ngaasuke nguvo dzake, azvishambidze nemvura, ave usina kunaka kusvikira madeko.
Shona SUB 2002 Bible
Ani naani unobata chinhu chakanga chiri pasi pake, uchava usina kunaka kusvikira usiku, kunyangwe wakatakura zvinhu izvo ngaasuke nguo dzake, azvishambidze nemvura, ave asina kunaka kusvikira usiku.