Leviticus 15:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Aninani unoɓatwa nomunhu uneɀinoyerera, kana asina‐kumboshamba maʋoko ake nemvura, ŋgaasuke ŋguʋo dzake, aɀishambidze nemvura, aʋe usina‐kunaka kuȿikira maɗeko.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“ ‘Ani naani achabatwa nomurume iyeye asina kushamba maoko ake anofanira kusuka nguo dzake agoshamba nemvura, uye achava asina kuchena kusvikira manheru.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana munhu abatwa nomurume ane zviri kubuda maari asina kushamba maoko nemvura ngaasuke hanzu dzake, ashambe muviri wake nemvura achava munhu akan'ora kusvikira zuva ridoke.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ani naani unobatwa nomunhu une zvinoyerera, kana asina kumboshamba maoko ake nemvura, ngaasuke nguo dzake, azvishambidze nemvura, ave usina kunaka kusvikira madeko.
Shona 2009?
Ani naani unobatwa nomunhu une zvinoyerera, kana asina kumboshamba maoko ake nemvura, ngaasuke nguvo dzake, azvishambidze nemvura, ave usina kunaka kusvikira madeko.
Shona SUB 2002 Bible
Ani naani unobatwa nomunhu une zvinoyerera, kana asina kumboshamba maoko ake nemvura, ngaasuke nguo dzake, azvishambidze nemvura, ave asina kunaka kusvikira madeko.