Leviticus 15:24 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋuye murume upi noupi kana akaʋata naye aciri pakusanaka kwake, ucaʋa usina‐kunaka mazuʋa manomŋe; nhoʋo dzose dzaanoʋata pamsoro padzo dzicaʋa dzisina‐kunaka.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“ ‘Kana murume akavata naye uye kuerera kwake kwomwedzi kukasangana naye, achava asina kuchena kwamazuva manomwe, kunyange mubhedha waanovata pauri uchava usina kuchena.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana munhurume akavata nomukadzi iyeyo akatapukirwa nezvinomun'oresa achapedza mazuva manomwe ari munhu akan'ora. Chii zvacho chaanovatawo chinon'orawo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Uye murume upi noupi kana akavata naye achiri pakusanaka kwake, uchava usina kunaka mazuva manomwe; nhoo dzose dzaanovata pamusoro padzo dzichava dzisina kunaka.
Shona 2009?
Uye murume upi noupi kana akavata naye achiri pakusanaka kwake, uchava usina kunaka mazuva manomwe; nhovo dzose dzaanovata pamusoro padzo dzichava dzisina kunaka.
Shona SUB 2002 Bible
Uye murume upi noupi kana akavata naye achiri pakusanaka kwake, uchava usina kunaka mazuva manomwe; nhoo dzose dzaanovata pamusoro padzo dzichava dzisina kunaka.