Leviticus 15:25 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana mukadzi anokuyerera kweropa rake mazuʋa mazhinji paŋguʋa isati iri yokuʋa kwake kumŋedzi, ʋuye kana aneɀinoyerera kuɗarika ŋguʋa yokuʋa kwake kumŋedzi, mazuʋa ose okuyerera kwokusanaka kwake unofanira kuita seɀaanoita pamazuʋa okuʋa kwake kumŋedzi. Waʋa usina‐kunaka.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“ ‘Kana mukadzi ano kuerera kweropa kwamazuva akawanda panguva isiri yokuva kwake kumwedzi kana kuti akava nokuerera kunoenderera kupfuura nguva yake yokuva kumwedzi kwake, achava asina kuchena kwenguva yaanobuda ropa sapamazuva ake okuva kumwedzi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Kana akaramba achibuda ropa kwamazuva mazhinji isiri nguva yake yokutevera kana kuramba achibuda ropa nguva yake yokutevera yapfuura, achava munhu akan'ora nguva yose yaanenge achibuda ropa. Akangon'ora sezvaanoita ari panguva yake yokutevera.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Kana mukadzi anokuyerera kweropa rake mazuva mazhinji panguva isati iri yokuva kwake kumwedzi, uye kana ane zvinoyerera kudarika nguva yokuva kwake kumwedzi, mazuva ose okuyerera kwokusanaka kwake anofanira kuita sezvaanoita pamazuva okuva kwake kumwedzi. Wava usina kunaka.
Shona 2009?
"Kana mukadzi anokuyerera kweropa rake mazuva mazhinji panguva isati iri yokuva kwake kumwedzi, uye kana ane zvinoyerera kudarika nguva yokuva kwake kumwedzi, mazuva ose okuyerera kokusanaka kwake anofanira kuita sezvaanoita pamazuva okuva kwake kumwedzi. Wava usina kunaka.
Shona SUB 2002 Bible
“Kana mukadzi anokuyerera kweropa rake mazuva mazhinji panguva isati iri yokuva kwake kumwedzi, uye kana ane zvinoyerera kudarika nguva yokuva kwake kumwedzi, mazuva ose okuyerera kwokusanaka kwake anofanira kuita sezvaanoita pamazuva okuva kwake kumwedzi. Wava usina kunaka.