Leviticus 15:26 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nhoʋo ipi neipi yaanoʋata pamsoro payo mazuʋa ose okuyerera kwake icaʋa kwaari senhoʋo yokuʋa kwake kumŋedzi; cinhu cipi necipi caanogara cicaʋa cisina‐kunaka, sa paŋguʋa yokusanaka kwokuʋa kwake kumŋedzi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mubhedha upi zvawo waachavata pauri panguva yaanenge achiri kubuda ropa, uchava usina kuchena somubhedha wapakuva kwake kumwedzi, chose chaachagara chichava chisina kuchena sapanguva yokuva kwake kumwedzi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Uvato upi noupi zvahwo hwaanovata mazuva ake ose okutevera uye chigaro chose chose zvacho chaanogara chichava chakan'ora sezvazvinongoita panguva yake yokutevera.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nhoo ipi neipi yaanovata pamusoro payo mazuva ose okuyerera kwake ichava kwaari senhoo yokuva kwake kumwedzi; chinhu chipi nechipi chaanogara chichava chisina kunaka, sapanguva yokusanaka kwokuva kwake kumwedzi.
Shona 2009?
nhovo ipi neipi yaanovata pamusoro payo mazuva ose okuyerera kwake ichava kwaari senhovo yokuva kwake kumwedzi; chinhu chipi nechipi chaanogara chichava chisina kunaka, sapanguva yokusanaka kokuva kwake kumwedzi.
Shona SUB 2002 Bible
Nhoo ipi neipi yaanovata pamusoro payo mazuva ose okuyerera kwake ichava kwaari senhoo yokuva kwake kumwedzi; chinhu chipi nechipi chaanogara chichava chisina kunaka, sapanguva yokusanaka kwokuva kwake kumwedzi.