Leviticus 15:33 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
nounorwara nokuʋa kwake kumŋedzi, nouneɀinoyerera, kana ari murume, kana ari mukadzi, nowounoʋata naiye usina‐kunaka.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
yomukadzi anenge ari kumwedzi, yomurume kana mukadzi anenge ane zvinoerera, uye neyomurume anovata nomukadzi anenge asina kuchena.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
ndiwo unosungawo mukadzi ari kurwara panguva yake yokutevera angave munhurume kana munhukadzi anezvinobuda maari nomurumewo anovata nomukadzi akan'ora.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
nounorwara nokuva kwake kumwedzi, nounezvinoyerera, kana ari murume, kana ari mukadzi, nowounovata naiye usina kunaka.”
Shona 2009?
nounorwara nokuva kwake kumwedzi, nounezvinoyerera, kana ari murume, kana ari mukadzi, nowounovata naiye usina kunaka."
Shona SUB 2002 Bible
nounorwara nokuva kwake kumwedzi, noune zvinoyerera, kana ari murume, kana ari mukadzi, neanorara naiye asina kunaka.”