Leviticus 15:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Munhu unogara pacinhu cakagarwa naiye uneɀinoyerera, ŋgaasuke ŋguʋo dzake, aɀishambidze nemvura, aʋe usina‐kunaka kuȿikira maɗeko.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ani naani achagara pachigaro chagarwa nomurume anobuda zvinoerera anofanira kusuka nguo dzake uye agoshamba nemvura, uye achava asina kuchena kusvikira manheru.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ani naani anogara pambogarwa nomunhu ane zviri kubuda maari, atova munhu akan'ora. Achaswera zuva rose ari munhu akan'ora kusvikira zuva ridoke. Ngaasuke hanzu dzake ashambe muviri wake. Achava munhu akan'ora kusvikira manheru.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Munhu unogara pachinhu chakagarwa naiye une zvinoyerera, ngaasuke nguo dzake, azvishambidze nemvura, ave usina kunaka kusvikira madeko.
Shona 2009?
Munhu unogara pachinhu chakagarwa naiye une zvinoyerera, ngaasuke nguvo dzake, azvishambidze nemvura, ave usina kunaka kusvikira madeko.
Shona SUB 2002 Bible
Munhu unogara pachinhu chakagarwa naiye une zvinoyerera, ngaasuke nguo dzake, azvishambidze nemvura, ave usina kunaka kusvikira usiku.