Leviticus 16:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ŋgakurege kuʋa nomunhu mutente rokusoŋgana, kana iye acipinda’mo kundoyananisira panɀimbo tȿene kuȿikira aɓuɗa, apedza kuɀiyananisira iye naʋeimba yake, neʋuŋgano yose yaʋaIsraeri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Hapana munhu anofanira kunge ari muTende Rokusangana panguva inopindwamo naAroni kunoyananisira muNzvimbo Tsvene-tsvene kusvikira abuda, azviyananisira iye nemhuri yake uye neungano yose yavaIsraeri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hakuna munhu anobvumirwa kunge ari mutendhe rokusanganira. Kubvira nguva inopinda Aroni munzvimbo inoera kundoripira zvitadzo zvake iye pachake nezvemhuri yake nezvegungano rose ravaIsiraeri kusvikira nguva yaanobudamo, hakuna munhu anobvumirwa kunge ari mutendhe rokusanganira.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ngakurege kuva nomunhu mutende rokusangana, kana iye achipindamo kuyananisira panzvimbo tsvene kusvikira abuda, apedza kuzviyananisira iye naveimba yake, neungano yose yavaIsiraeri.
Shona 2009?
Ngakurege kuva nomunhu mutende rokusangana, kana iye achipindamo kuyananisira panzvimbo tsvene kusvikira abuda, apedza kuzviyananisira iye naveimba yake, neungano yose yavaIsiraeri.
Shona SUB 2002 Bible
Ngakurege kuva nomunhu mutende rokusangana, kana iye achipindamo kuyananisira panzvimbo tsvene kusvikira abuda, apedza kuzviyananisira iye naveimba yake, neungano yose yaVaIsiraeri.