Leviticus 16:29 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Unofanira kuʋa murairo usiŋgaperi kwamuri: Nomŋedzi wecinomŋe, nezuʋa regumi romŋedzi, munofanira kucema pamŋeya yenyu, nokusaɓata maɓasa ose, kana ari munhu wakaɓerekerwa pakati penyu, kana ari mutorwa ugere pakati penyu;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Uyu unofanira kuva mutemo unogara nokusingaperi kwamuri: Pazuva regumi romwedzi wechinomwe munofanira kutsanya musingaiti kana basa, chingava chizvarwa chenyu kana mutorwa agere pakati penyu,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Kwamuri imi murao uyu, murao uchagara uripo narini wose wokuti mumwedzi wechinomwe pazuva regumi romwedzi munofanira kuzvirwadzisa musaite basa imi kana vatorwa vamugere navo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Unofanira kuva murayiro usingaperi kwamuri: Nomwedzi wechinomwe, nezuva regumi romwedzi, munofanira kuchema pamweya yenyu, nokusabata mabasa ose, kana ari munhu wakaberekerwa pakati penyu, kana ari mutorwa ugere pakati penyu;
Shona 2009?
"Unofanira kuva murayiro usingaperi kwamuri: Nomwedzi wechinomwe, nezuva regumi romwedzi, munofanira kuchema pamweya yenyu, nokusabata mabasa ose, kana ari munhu wakaberekerwa pakati penyu, kana ari mutorwa ugere pakati penyu;
Shona SUB 2002 Bible
“Unofanira kuva murairo usingaperi kwamuri: Nomwedzi wechinomwe, nezuva regumi romwedzi, munofanira kuchema pamweya yenyu, nokusabata mabasa ose, kana ari munhu wakaberekerwa pakati penyu, kana ari mutorwa agere pakati penyu;