Leviticus 16:3 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Aroni ŋgaapinde munɀimbo tȿene neɀinhu iɀi: Nzombe ɗuku, ciʋe cipiriso ceɀiʋi, negondobge, ciʋe cipiriso cinopiswa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Aya ndiwo mapindiro anofanira kuita Aroni munzvimbo tsvene: apinde nehando diki yechipiriso chechivi uye negondohwe rechipiriso chinopiswa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana Aroni apinda munzvimbo inoera, ngauye nehandira ichiri duku yomupiro wokupfupira zvitadzo nehondohwe yomupiro wokupisa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Aroni ngaapinde munzvimbo tsvene nezvinhu izvi: Nzombe duku, chive chipiriso chezvivi, negondohwe, chive chipiriso chinopiswa.
Shona 2009?
Zvino Aroni ngaapinde munzvimbo tsvene nezvinhu izvi: Nzombe duku, chive chipiriso chezvivi, negondobwe, chive chipiriso chinopiswa.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Aroni ngaapinde munzvimbo tsvene nezvinhu izvi: nzombe duku, chive chipiriso chezvivi, negondohwe, chive chipiriso chinopiswa.