Leviticus 17:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Munhu upi noupi kuʋana ʋaIsraeri, kana kuʋatorwa ʋagere pakati paʋo, wakaɓata pakuvima kwake mhuka ipi neipi kana shiri inodyiwa, unofanira kuɗurura ropa rayo, ndokurifukidza neguruʋa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“ ‘MuIsraeri upi zvake kana mutorwa agere pakati penyu anovhima mhuka ipi neipi ingadyiwa, anofanira kudurura ropa rayo agorifusira nevhu,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“MuIsiraeri wose nomutorwawo upi noupi zvake agere navo anoenda kundovhima mhuka kana shiri inodyiwa anofanira kusinza ropa rayo arifusire nevhu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Munhu upi noupi kuvana vaIsiraeri, kana kuvatorwa vagere pakati pavo, wakabata pakuvhima kwake mhuka ipi neipi kana shiri inodyiwa, anofanira kudurura ropa rayo, ndokurifukidza neguruva.
Shona 2009?
"Munhu upi noupi kuvana vaIsiraeri, kana kuvatorwa vagere pakati pavo, wakabata pakuvhima kwake mhuka ipi neipi kana shiri inodyiwa, anofanira kudurura ropa rayo, ndokurifukidza neguruva.
Shona SUB 2002 Bible
“Munhu upi noupi kuvana VaIsiraeri, kana kuvatorwa vagere pakati pavo, wakabata pakuvhima kwake mhuka ipi neipi kana shiri inodyiwa, anofanira kudurura ropa rayo, nokurifukidza neguruva.