Leviticus 17:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti kana bguri ʋupenyu bgenyama yose, ropa raɀo ndibgo ʋupenyu bgaɀo, naiɀoɀo ndakati kuʋana ʋaIsraeri: Regai kudya ropa raɀo; aninani unoridya unofanira kubviswa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
nokuti upenyu hwechisikwa chose iropa racho. Ndiko kusaka ndati kuvaIsraeri, “Hamufaniri kudya ropa rechisikwa chipi zvacho nokuti upenyu hwechisikwa huri muropa; ani naani anoridya anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chandinodariro ndechokuti muropa rezvipenyu zvose zvazvo ndimo mune upenyu hwazvo. Ndokusaka ndichiudza vaIsiraeri kuti, ‘Musambodya zvenyu ropa rechinhu chipi nechipi zvacho, nokuti muropa rezvipenyu zvose ndimo mune upenyu hwazvo. Ani naani anoridya ngaachekaniswe ukama naye.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti kana huri upenyu hwenyama yose, ropa razvo ndihwo upenyu hwazvo, naizvozvo ndakati kuvana vaIsiraeri, ‘Regai kudya ropa razvo; ani naani unoridya anofanira kubviswa.’
Shona 2009?
Nokuti kana huri upenyu bwenyama yose, ropa razvo ndihwo upenyu hwazvo, naizvozvo ndakati kuvana vaIsiraeri, `Regai kudya ropa razvo; ani naani unoridya anofanira kubviswa:
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti kana huri upenyu hwenyama yose, ropa razvo ndihwo upenyu hwazvo, naizvozvo ndakati kuvana VaIsiraeri, ‘Regai kudya ropa razvo; ani naani unoridya anofanira kubviswa.’