Leviticus 17:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Munhu upi noupi unodya cinhu cakaŋgofa coga, kana cakaʋurawa neɀikara, kana ari munhu wakaɓerekerwa pakati penyu, kana ari mutorwa, unofanira kusuka ŋguʋo dzake, nokuɀishambidza nemvura, aʋe usina‐kunaka kuȿikira maɗeko; ipapo ucazoʋa wakanaka.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“ ‘Ani naani, angava chizvarwa chenyu kana mutorwa, anodya chinhu chinowanikwa chakafa, kana kuti chinowanikwa chakabvarurwa nemhuka dzomusango, anofanira kusuka nguo dzake agoshamba nemvura uye achava asina kuchena kusvikira manheru; ipapo achava akachena.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Munhu wose zvake angave chizvarwa chomuno muIsiraeri kana mutorwa anodya nyama yakafa yoga kana yakaita zvokurumwa nezvikara atova munhu akan'ora kusvikira zuva ridoke. Ngaasuke hanzu dzake ashambe muviri, achava munhu asisina kun'ora.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Munhu upi noupi unodya chinhu chakangofa choga, kana chakaurawa nezvikara, kana ari munhu wakaberekerwa pakati penyu, kana ari mutorwa, anofanira kusuka nguo dzake, nokuzvishambidza nemvura, ave usina kunaka kusvikira madeko; ipapo uchazova wakanaka.
Shona 2009?
"Munhu upi noupi unodya chinhu chakangofa choga, kana chakaurawa nezvikara, kana ari munhu wakaberekerwa pakati penyu, kana ari mutorwa, anofanira kusuka nguvo dzake, nokuzvishambidza nemvura, ave usina kunaka kusvikira madeko; ipapo uchazova wakanaka.
Shona SUB 2002 Bible
“Munhu upi noupi unodya chinhu chakangofa choga, kana chakaurayiwa nezvikara, kana ari munhu wakaberekerwa pakati penyu, kana ari mutorwa, anofanira kusuka nguo dzake, nokuzvishambidza nemvura, ave asina kunaka kusvikira usiku; ipapo uchazova wakanaka.