Leviticus 17:5 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
kuti ʋana ʋaIsraeri ʋaʋuye neɀiɓayiro ɀaʋo ɀaʋanoɓayira kusaŋgo, ʋaʋuye naɀo kunaJehova kumukoʋa wetente rokusoŋgana kumuprista, kuti ʋaɀiɓayire Jehova, ɀiʋe ɀiɓayiro ɀeɀipiriso ɀokuyananisira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Izvi zvinoitirwa kuti vaIsraeri vauye nezvibayiro zvavo zvavanobayira kusango, kuna Jehovha. Vanofanira kuuya nazvo kumuprista, ndiko kuti, kuna Jehovha, pamusuo wokupinda muTende Rokusangana vagozvibayira sezvipiriso zvokuwadzana.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chakaisirwa mutemo uyu ndechokuti vaIsiraeri vose vagounza kuna Tenzi zvibayiro zvavo zvavari kungoitira zvavo kwose kwose, vazviunze kuna Tenzi kumupristi kumusuo wetendhe rokusanganira vazviuraye sezvibayiro zvemipiro yokuwadzana yokupira kuna Tenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
kuti vana vaIsiraeri vauye nezvibayiro zvavo zvavanobayira kusango, vauye nazvo kuna Jehovha kumukova wetende rokusangana kumupristi, kuti vazvibayire Jehovha, zvive zvibayiro zvezvipiriso zvokuyananisira.’
Shona 2009?
kuti vana vaIsiraeri vauye nezvibayiro zvavo zvavanobayira kusango, vauye nazvo kuna Jehovha kumukova wetende rokusangana kumuprista, kuti vazvibayire Jehovha, zvive zvibayiro zvezvipiriso zvokuyananisira.'
Shona SUB 2002 Bible
kuti vana VaIsiraeri vauye nezvibairo zvavo zvavanobayira kusango, vauye nazvo kuna Jehovha kumukova wetende rokusangana kumupristi, kuti vazvibayire Jehovha, zvive zvibairo zvezvipiriso zvokuyananisira.’