Leviticus 17:7 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Haʋafaniri kuzoɓayira nhoŋgo ɀiɓayiro ɀaʋo, idzo dzaʋaiteʋera pakupata kwaʋo. Uyo unofanira kuʋa murairo usiŋgaperi kwaʋari kuȿikira kumarudzi aʋo ose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Havafanirizve kupa zvibayiro zvavo zvakare kuzvifananidzo zvembudzi izvo zvavanoita ufeve nazvo. Uyu uchava murayiro unogara nokusingaperi kwavari uye nokumarudzi achatevera.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Saka havafanire kuramba vachipira zvibayiro kuna Mwari zvakaita sembudzi zvavari kuteveredza vachiita senzenza. Murao iwoyu uchagara uripo narini pazvizvarwa zvavo zvose.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Havafaniri kuzobayira nhongo zvibayiro zvavo, idzo dzavaitevera pakupata kwavo. Uyo unofanira kuva murayiro usingaperi kwavari kusvikira kumarudzi avo ose.
Shona 2009?
Havafaniri kuzobayira nhongo zvibayiro zvavo, idzo dzavaitevera pakupata kwavo. Uyo unofanira kuva murayiro usingaperi kwavari kusvikira kumarudzi avo ose.
Shona SUB 2002 Bible
Havafaniri kuzobayira nhongo zvibairo zvavo, idzo dzavaitevera pakupata kwavo. Uyo unofanira kuva murairo usingaperi kwavari kusvikira kumarudzi avo ose.