Leviticus 18:26 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo imi ceŋgetai mitemo yaŋgu neɀandakatoŋga, kuti murege kuita cinhu cimŋe caiɀoɀo ɀinonyaŋgadza; kana ari wakaɓerekerwa munyika yenyu, kana ari mutorwa ugere pakati penyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi imi munofanira kuchengeta mirayiro yangu nemitemo yangu. Zvizvarwa zvenyu navatorwa vagere pakati penyu havafaniri kuita kana chimwe chezvinhu zvinonyangadza izvi,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi imi mose zvizvarwa zvemo navatorwa vagere nemi, chengetai mitemo nemirao yangu, murege kuita chii zvacho chakaipa chikadai.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo imi chengetai mitemo yangu nezvandakatonga, kuti murege kuita chinhu chimwe chaizvozvo zvinonyangadza; kana ari wakaberekerwa munyika yenyu, kana ari mutorwa ugere pakati penyu.
Shona 2009?
Naizvozvo imwi chengetai mitemo yangu nezvandakatonga, kuti murege kuita chinhu chimwe chaizvozvo zvinonyangadza; kana ari wakaberekerwa munyika yenyu, kana ari mutorwa ugere pakati penyu.
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo imi chengetai mitemo yangu nezvandakatonga, kuti murege kuita chinhu chimwe chaizvozvo zvinonyangadza; kana ari wakaberekerwa munyika yenyu, kana ari mutorwa ugere pakati penyu.