Leviticus 18:3 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Regai kuita seɀakaŋga ɀiciitwa panyika yeEgipita mamakaŋga mugere, ʋuye regai kuita seɀinoitwa panyika yeKanani, kwandicazokuisai; musafamba netsika dzaʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Hamufaniri kuita sezvavanoita kuIjipiti, kwamaigara uye hamufaniri kuita sezvavanoita kuKenani, kwandiri kukuendesai. Musatevera zviito zvavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Musatevedzere tsika dzinoitwa navanhu vokuIjipiti kwamaigara kunyange kutevedzera tsika dzinoitwa navanhu vokuKanani kwandiri kukuendesai. Musatevedzere maitiro avo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Regai kuita sezvakanga zvichiitwa panyika yeIjipiti mamakanga mugere, uye regai kuita sezvinoitwa panyika yeKanani, kwandichazokuisai; musafamba netsika dzavo.
Shona 2009?
Regai kuita sezvakanga zvichiitwa panyika yeIjipiti mamakanga mugere, uye regai kuita sezvinoitwa panyika yeKanani, kwandichazokuisai; musafamba netsika dzavo.
Shona SUB 2002 Bible
Regai kuita sezvakanga zvichiitwa munyika yeIjipiti mamakanga mugere, uye regai kuita sezvinoitwa panyika yeKenani, kwandichazokuisai; musafamba netsika dzavo.