Leviticus 19:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Usamanikidza wokwako, kana kumutorera; haufaniri kugara ʋusiku bgose kuȿikira maŋgwana nomuɓayiro womuranda unokuɓatira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“ ‘Usabiridzira muvakidzani wako kana kumubira nechisimba. “ ‘Usachengeta mubayiro womushandi kusvikira mangwana.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Musabate mumwe wenyu zvakaipa kana kupamba zvinhu zvake. Regai kurara muine mubayiro womushandi usiku hwose kusvikira mangwanani.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Usamanikidza wokwako, kana kumutorera; haufaniri kugara usiku hwose kusvikira mangwana nomubayiro womuranda unokubatira.
Shona 2009?
"Usamanikidza wokwako, kana kumutorera; haufaniri kugara usiku hwose kusvikira mangwana nomubayiro womuranda unokubatira.
Shona SUB 2002 Bible
“Usamanikidza wokwako, kana kumutorera; haufaniri kugara usiku hwose kusvikira mangwana nomubairo womuranda unokubatira.