Leviticus 19:20 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Aninani unoʋata nomukadzi ari murandakadzi, wakanyeŋgwa nomurume, asina‐kudzikinurwa kwaɀo, kana kusunuŋgurwa, ʋanofanira kurobga; asi haʋafaniri kuʋurawa, nokuti wakaŋga asina‐kusunuŋgurwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“ ‘Kana murume akavata nomukadzi ari murandakadzi akavimbiswa kuno mumwe murume, asi mukadzi asina kudzikinurwa kana kupiwa rusununguko rwake, panofanira kuva nokurangwa kwakakodzera. Asi haafaniri kuurayiwa nokuti mukadzi uyu anga asati asunungurwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Kana murume akaita chakaipa nomuranda wechikadzi iye achangobva mukuroorwa nomumwe murume, asi asati abvisirwa mari yokumutenga kana kumusunungura muuranda, ngavapiwe chirango, asi ngaarege kuurayiwa nokuti mukadzi iyeyo anga achiri muranda.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ani naani unovata nomukadzi ari murandakadzi, wakanyengwa nomurume, asina kudzikinurwa kwazvo, kana kusunungurwa, vanofanira kurohwa; asi havafaniri kuurawa, nokuti wakanga asina kusunungurwa.
Shona 2009?
Ani naani unovata nomukadzi ari murandakadzi, wakanyengwa nomurume, asina kudzikunurwa kwazvo, kana kusunungurwa, vanofanira kurohwa; asi havafaniri kuurawa, nokuti wakanga asina kusunungurwa.
Shona SUB 2002 Bible
Ani naani unovata nomukadzi ari murandakadzi, akapiwa kune mumwe murume, asati adzikinurwa, kana kusunungurwa, vanofanira kurohwa; asi havafaniri kuurayiwa, nokuti wakanga asina kusunungurwa.